Guidance

Notice of rights and entitlements Shona (PACE Code C) (accessible version)

Updated 27 January 2020

Yeuka kodzero dzako paunenge wakavharirwa

Kodzero dziri muChiziviso chino dzakatsidzwa kwauri uye dzinoenderana nechibvumirano chenyika dzemuEurope pamusoro pekodzero dzevanhu uye zvinoenderana ne EU Directive 2012/13 pakodzero dzekuwana ruzivo pakufambiswa kwemhosva.

Kodzero dzako kukamba yemapurisa dzakanyorwa muzvinyorwa zvipfupi papeji ino

Pane ruzivo rumwe ruzhinji mundima 1 kusvika 11 pamapeji anotevera.

Ruzivo ruzere runowanikwa muMutemo weMashandiro weMapurisa C.

  1. Udza mapurisa kana uchida gweta kuti rikubatsire paunenge uri pakamba yemapurisa. Izvi hazvibhadhariswi.
  2. Udza mapurisa kana uchida kuti mumwe munhu audzwe kwaunenge uri. Izvi hazvibhadhariswi.
  3. Udza mapurisa kana uchida kutarisa mitemo yavo – inonzi Mitemo yeMashandiro.
  4. Udza mapurisa kana uchida rubatsiro rwezveutano. Udza mapurisa kana usinganzwe zvakanaka kana kuti uchinge wakuvara. Rubatsiro rwezveutano harubhadharwi.
  5. Kana ukabvunzwa nezvemhosva yauri kufungidzirwa kuti waita, haumanikidzwe kuti utaure chinhu. Zvisinei, zvinogona kukanganisa kuzvirwira kwako kana ukasataura chinhu paunobvunzwa nepo chinhu chacho uchizomira nacho pakuzvirwira kwako mudare. Chipi zvacho chaunotaura chinogona kushandiswa sehumboo mudare.
  6. Mapurisa anofanira kukuudza nezvemhosva yavanofunga kuti wapara uye kuti sei wasungwa uye sei wavharirwa.
  7. Mapurisa anofanira kubvumidza iwe kana gweta rako kuona marekodhi nemagwaro ane mashoko yekuti sei wasungwa uye kuti sei wavharirwa uye emabatirwo nenguva yavakapedza uri kukamba yemapurisa.
  8. Mapurisa anofanira kukutsvakira muturikiri kana uchimuda. Unogonawo kushandurirwa magwaro ako mumutauro waunonzwisisa. Izvi hazvibhadhariswi.
  9. Udza mapurisa kana usiri munhu werudzi rwechiBritish uye uchida kubata veembasi yako kana kuti uchida kuti vaudzwe kuti wavharirwa. Izvi hazvibhadhariswi.
  10. Mapurisa anofanira kukuudza kuti vanogona kukuvharira kwenguva yakareba sei.
  11. Kana uchinzi unemhosva uye nyaya yako yakwidzwa kudare, iwe kana gweta rako mune kodzero yekuona umboo hwevari kupa mhosva nyaya isati yanzwikwa nedare.

Kana usina chokwadi nezvekodzero idzi, udza mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu

Ona mapeji anotevera pfupiso kuti uwane rumwe ruzivo nezvemabatiro nekuchengetedzwa kwaunofanira kuitwa nemapurisa

Chinyorwa chemhando ino cheChiziviso cheKodzero neZvinotarisirwa (Notice of Rights and Entitlements) chinotanga kushanda kubva musi wa21 Nyamavhuvhu 2019

Ndapota verenga mashoko aya nekukurumidza sezvaungagona uye uchengete ruzivo rwacho. Zvinozokubatsira pakuita zvisarudzo paunenge uri kukamba yemapurisa.

1. Kutsvaga gweta kuti rikubatsire

  • Gweta rinogona kukubatsira nekukupa mazano pane zvemutemo.
  • Kukumbira kuti utaure negweta hazviite kuti uonekwe seune mhosva yawapara.
  • Mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa (Police Custody Officer) anofanira kukubvunza kuti unoda rubatsiro here pane zvemutemo. Izvi hazvibhadhariswi.
  • Mapurisa anofanira kukupa mukana wekutaura negweta nguva ipi zvayo, masikati kana usiku, paunenge uri pakamba yemapurisa.
  • Kana ukakumbira mazano pane zvemutemo, kazhinji mapurisa haabvumidzwe kukubvunza mibvunzo kusvikira wawana mukana wekutaura negweta. Apo mapurisa anenge achikubvunza mibvunzo, unogona kukumbira kuti gweta rive newe mumba macho.
  • Kana ukaudza mapurisa kuti haudi mazano pane zvemutemo asi wozoshandura mafungiro ako, udza mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa uyo anozokubatsira kuti ubate gweta.
  • Kana gweta rikasauya kana kukubata kukamba yemapurisa, kana kuti uchida kutaura negweta zvakare, kumbira mapurisa kuti varibate zvakare.

Mazano pane zvemutemo panyaya dzisina kunyanya kukura anopiwa pasina mubhadharo:

  • Pane dzimwe nyaya dzisiri huru zvakanyanya, mazano ezvemutemo anopiwa pachena chete parunhare kubva kune vakadzidzira kupa mazano vanobva kune avo vanobatsira nezvekurwirwa kwevasungwa (Criminal Defence Service (CDS) Direct) kunze kwezvishoma zvinogona kuitwa kana gweta richifanira kuuya kukamba yemapurisa, zvakaita sekuti:
    • Mapurisa ari kuda kukubvunza mibvunzo nezvemhosva yaparwa kana kuti ari kuda kuti munhu akaona mhosva ichiparwa anongedze munhu waakaona achipara mhosva yacho.
    • Unoda rubatsiro kubva kune “mukuru anokodzera kurwupa”. Tarisa pakanyorwa kunzi “Vanhu vanoda rubatsiro”.
    • Haugone kukurukura parunhare, kana kuti
    • Uri kupa mhosva yakakura yekusashanda zvakanaka kwemapurisa.

Apo mazano ezvemutemo anopiwa pachena asingangowanikwi bedzi nenzira yeparunhare kubva kune veCDS Direct:

  • Unogona kukumbira kuti utaure negweta raunoziva uye hauzotarisirwi kuti ubhadhare kana richiita basa rekubatsira pane zvemutemo (legal aid). Kana usina gweta raunoziva kana kuti gweta raunoziva risingagone kubatika, unogona kutaura negweta rinenge riri pabasa musi iwoyo. Izvi hazvibhadharwi.
  • Gweta rinenge riri pabasa musi iwoyo harina chekuita nemapurisa.

Kuronga zvemazano ezvemutemo anopiwa pasina mubhadharo:

  • Mapurisa anobata nzvimbo inowanikwa magweta anorwira vanhu vari kupomerwa mhosva (Defence Solicitor Call Centre (DSCC)). VeDSCC vanoronga kuti mazano pasina mubhadharo apiwe, izvi zvichigona kuitwa neveCDS Direct, kana kubva kugweta raunenge wakumbira kana kubva kugweta rinenge riri pabasa musi iwoyo.
  • VeDSCC neveCDS Direct mapato akazvimiririra ari oga anopa rubatsiro uye ane basa rekuronga zvekupiwa kwemazano ezvemutemo pasina mubhadharo uye havana chekuita nemapurisa.

Kana iwe pachako uchida kubhadhara vanopa mazano ezvemutemo:

  • Pakadaro unogona kuzvibhadharira vanopa mazano ezvemutemo kana uchida.
  • Kana rubatsiro rwezvemutemo pasina mubhadharo ruchingogona kupiwa chete parunhare kubva kune veCDS Direct unogona kutaura negweta raunozvisarudzira parunhare kana uchida, asi havazobhadharwa nevanopa rubatsiro pane zvemutemo uye vanogona kuzokukumbira kuti uvabhadhare. VeDSCC vachakubatsira kuti ubatane negweta rako pachako.
  • Une kodzero yekuti utaure wega negweta raunozvisarudzira parunhare kana kuti vanogona kusarudza kuuya kuzotaura newe kukamba yemapurisa.
  • Kana gweta raunenge wazvisarudzira wega risingagone kubatika, mapurisa anogona kuchaira runhare veDSCC kuti varonge nezverubatsiro rwezvemutemo pasina mubhadharo kubva kune gweta rinenge riri pabasa musi iwoyo (Duty Solicitor).

2. Kuudza mumwe munhu kuti uri kukamba yemapurisa

  • Unogona kukumbira mapurisa kuti abate mumwe munhu anofanira kuziva kuti uri kukamba yemapurisa. Hapana chaunobhadhara.
  • Vanozokubatira munhu uyu nekukurumidza sekugona kwavo.

3. Kutarisa Mitemo Yemashandiro (Codes of Practice)

  • Mitemo Yemashandiro mitemo inokuudza zvinogona kana kusagona kuitwa nemapurisa paunenge uri kukamba yemapurisa. Mitemo yacho inosanganisa tsanangudzo dzezviri muChiziviso chino.
  • Mapurisa anokurega uchiverenga Mitemo Yemashandiro, asi haukwanise kuiverenga kana zvichizotadzisa mapurisa kuferefeta kuti vazive kuti watyora mutemo here.
  • Kana uchida kuverenga Mitemo Yemashandiro, udza mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa (Police Custody Officer).

4. Kuwana rubatsiro rwezveutano kana usinganzwe zvakanaka kana kuti wakuvara

  • Udza mapurisa kana usinganzwe zvakanaka kana kuti uchida mishonga kana kuti wakuvara. Vanodaidza chiremba kana mukoti kana imwewo nyanzvi pane zveutano uye hapana chaunobhadhara.
  • Unogona kubvumidzwa kushandisa mushonga wako pachezvako, asi mapurisa anofanira kutanga aongorora. Mukoti ndiye anowanzokuona pokutanga, asi mapurisa anozodaidza chiremba kana uchimuda. Unogona kukumbira mumwe chiremba, asi unozozvibhadharira wega kana zvadaro.

5. Kodzero yekuramba wakanyarara

Kana ukabvunzwa nezvemhosva inenge ichifungidzirwa kuti yaitika, haumanikidzwe kutaura chinhu.

Zvisinei, zvinogona kukanganisa kuzvirwira kwako mudare kana ukarega kutaura kana wabvunzwa chimwe chinhu chaunozozvitsigira nacho pashure mudare remhosva.

Zvese zvaunotaura zvinogona kushandiswa sehumboo.

6. Kuziva nezvemhosva yauri kufungidzirwa kuti wakapara uye kuziva kuti sei wasungwa uye kuvharirwa

  • Mapurisa anofanira kukuudza nezvemhando yemhosva yavanofunga kuti wapara. Izvi zvinosanganisira zvavari kufunga nezvekwaparirwa mhosva yacho uye nguva yayaparwa.
  • Mapurisa anofanira kukuudza kuti sei vachifunga kuti wakapara mhosva yacho uye kuti sei vachitenda kuti vanofanira kukusunga.
  • Pakamba yemapurisa, mapurisa anofanira kukuudza kuti sei vachitenda kuti unofanira kuvharirwa.
  • Usati wabvunzwa mibvunzo ipi zvayo nezvemhosva ipi zvayo mapurisa anofanira kukupa iwe negweta rako ruzivo rwakakwana nezvinofunga mapurisa kuti waita kuitira kuti ugone kuzvirwira, asi kwete panguva inogona kukanganisa kuongorora nyaya kwemapurisa.
  • Izvi zvinogona kuitika pamhosva dzimwe dzipi zvadzo dzinofungwa nemapurisa kuti wapara.

7. Kuona marekodhi nemagwaro nezvekusungwa nekuvharirwa kwako

  • Kana wavharirwa pakamba yemapurisa, mapurisa anofanira:
    • Kunyora murekodhi yako yezvekuvharirwa, chikonzero chekusungwa kwako uye kuti sei vachitenda kuti unofanira kuvharirwa.
    • Kurega iwe negweta rako kuti mutarise marekodhi aya. Mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu acharonga izvi.
  • Izvi zvine chekuita nemhosva dzimwe dzipi zvadzo dzinofungwa nemapurisa kuti wapara.
  • Mapurisa anofanira kukubvumidza iwe negweta rako kutarisa magwaro uye zvinyorwa zvinokosha kuti mugone kunyatsopikisa kusungwa nekuvharirwa kwako pamutemo.

8. Kuwana muturikiri uye kuiswa kwezvimwe zvinyorwa mune mumwe mutauro kuti zvikubatsire

  • Kana usingataure kana kunzwisisa Chirungu, mapurisa anoronga kuti mumwe munhu anotaura mutauro wako akubatsire. Izvi hazvibhadharirwe.
  • Kana uri matsi kana kuti usingagone kunyatsotaura, mapurisa anoronga kuti muturikiri anobva kubato rinoona nezvemutauro weChirungu wevanhu vasingagone kutaura reBritish Sign Language akubatsire. Izvi hazvibhadharirwe.
  • Kana usingataure kana kunzwisisa Chirungu, mapurisa anounza muturikiri kuti akuudze kuti sei vari kukubata. Izvi zvinofanira kuitwa nguva yose apo mapurisa anosarudza kukuvharira muchitokisi.
  • Pashure pesarudzo imwe neimwe yekukuchengeta muchitokisi uye pashure pekunge wapomerwa mhosva ipi zvayo, mapurisa anofanira kukupawo zvinyorwa pamusoro pako mumutauro wako kuti sei uri kuvharirwa muchitokisi uye mhosva ipi zvayo yaunenge wapomerwa kunze kwekunge pane zvikonzero zvakakosha zvinoita kuti usazvipiwe. Izvi ndezvinoti:
    • Kana ukasarudza kuti haude zvinyorwa kuti uzvirwire nechikonzero chekuti unonyatsonzwisisa zviri kuitika nezvinozobuda mukusashandisa kwako kodzero yako yezvinyorwa pamusoro pako uye gweta richinge rakubatsira kusarudza zvekuita. Unofanirawo kupa mvumo yako yakaita zvokunyorwa.
    • Kana kuturikirirwa kana kupiwa pfupiso nemuturikiri panzvimbo pechinyorwa chakaiswa mune mumwe mutauro zvakakukwanira kuti uzvirwire uye kuti unzwisise zvakakwana zvinenge zvichitora nzvimbo. Muzvinahofisi wemuchitokisi (custody officer) anofanira kutanga abvumidza izvi.
  • Apo mapurisa anokubvunza mibvunzo vasingatepe zvaunotaura, muturikiri anonyora pasi mibvunzo yacho nemhinduro dzako mumutauro wako. Unozogona kutarisa izvi usati wazvisainira kuti ndizvo chaizvo zvawataura.
  • Kana uchida kupa mapurisa nhoroondo yezvakaitika, muturikiri anoita kopi yezvaunenge wataura mumutauro wako kuitira kuti uzvitarise uye wosainira kuti ndizvo chaizvo zvawataura.
  • Une kodzero yekuisirwa Chiziviso chino mune mumwe mutauro. Kana usina kuisirwa mumutauro waunonzwisisa, unofanira kupiwa ruzivo kuburikidza nemuturikiri wozopiwa ruzivo rwakanyorwa mumutauro wako mukati menguva shoma.

9. Kubata embassy kana vanomiririra nyika yako muBritain veHigh Commission

Kana usiri munhu werudzi rwechiBritish, unogona kuudza mapurisa kuti unoda kubata vanomiririra nyika yako muBritain veHigh Commission, Embassy kana Consulate kuti uvaudze kuti uri kupi uye kuti sei uri mukamba yemapurisa. Vanogonawo kukushanyira muri mega kana kuronga kuti gweta riuye kunokuona.

10. Marebero enguva yaunogona kuvharirwa

  • Nguva zhinji unogona kuvharirwa kusvika maawa makumi maviri nemana (24) pasina kupiwa mhosva. Nguva iyi inogona kureba kupfuura izvi asi zvinongoitika chete kana mhosva ichigona kutongwa najaji kana nedare mudare guru uye kana mukuru wemapurisa (Police Superintendent) kana dare remhosva vabvumidza kuti izvi zviitike. Mushure memaawa makumi matatu nematanhatu (36), dare remhosva ndiro roga rinogona kubvumidza mapurisa kuti vatore nguva yakareba vakakuvharira usina kupiwa mhosva.
  • Nguva imwe neimwe mukuru wemapurisa anofanira kutarisa nyaya yako kuti aone kuti pachine chikonzero here chekuti urambe wakachengetwa pakamba yemapurisa. Izvi zvinonzi kuongorora (review) uye mukuru wemapurisa wacho ndiye anoita uku kuongorora. Kunze kwekunge usingagone kuzvitaurira wega une kodzero yekuti uve nechekutaura nezvesarudzo iyi uchiita zvekunyora, kana kutaura nemukuru wemupurisa ari kuongorora makatarisana, kana kutaurirana naye uchishandisa TV. Gweta rako rinewo kodzero yekuva nechekutaura richikumiririra.
  • Kana mupurisa anoona nezveongororo akasakusunungura, unofanira kutsanangurirwa kuti sei uye chikonzero chacho chonyorwa murekodhi yako yekuvharirwa.
  • Kana pasina chikonzero chekuvharirwa kwako, unofanira kusunungurwa. Kana mapurisa akakuudza kuti ari kuda kupfuurira mberi nekuongorora mhosva yacho, uchasunungurwa pasinei nekuti wabvisa bheiri (bail) here kana kwete. Kana ukabhadhariswa bheiri, unofanira kupiwa chiziviso chakanyorwa chinokuudza kuti unofanira kudzoka kukamba yemapurisa, uye chinokuudza kana paine zvaunofanira kutevedzera zvine chekuita nebheiri rawapiwa.
  • Kana mapurisa achida kukumbira dare kuti riwedzere kuvharirwa kwako:
    • Unofanira kuunzwa kudare kunonzwa nyaya yako kunze kwekunge paitwa urongwa hwekuti mukurukure muchionana nepaTV, kuitira kuti ugone kuona uye kunzwa vanhu vari mudare, ivowo vachikuona nekukunzwa.
    • Urongwa hwekuti mukurukure pachishandiswa TV hauitwe kunze kwekuti mupurisa ari kukuchengetedza aona zvakakodzera, gweta rakutsanangurira nezvemashandiro eurongwa hwacho uye iwe wabvumirana nazvo.
    • Unofanira kupiwa kopi yeruzivo inoudza dare nezvehumboo hwacho uye kuti sei mapurisa vachida kuwedzera kuvharirwa kwako.
    • Une kodzero yekuva negweta rako mudare paunenge uchitongwa.
    • Mapurisa anongobvumidzwa chete kukuvharira mujeri kana dare richitenda kuti zvine basa uye kuti mapurisa ari kuongorora nyaya yako zvakanaka uye pasina kutambisa nguva.
  • Kana mapurisa ane humboo hwakakwana kuti akuendese kudare, unogona kupiwa mhosva pakamba kana netsamba, kuti uende kudare kunotongwa.

11. Kugona kuona humboo kana nyaya yako yaenda kuDare

Kana ukapiwa mhosva, iwe kana gweta rako munofanira kubvumidzwa kuona humboo huri kushandiswa kukupa mhosva uyezve humboo hunogona kukubatsira kuzvirwira mudare. Izvi zvinofanira kuitwa kutongwa kwako kusati kwatanga. Mapurisa pamwe chete neveCrown Prosecution Service vanofanira kuronga izvi uye kukugonesa kuona magwaro nezvinyorwa zvine chekuita nenyaya yako.

Zvimwe zvinhu zvekuziva pamusoro pekuva kukamba yemapurisa

Mabatirwo nemachengeterwo aunofanira kuitwa

Izvi zvinyorwa zvinokuzivisa zvaungatarisire apo unenge wakachengetwa kukamba yemapurisa. Kuti uzive zvizhinji, kumbira kuti uone Mitemo Yemashandiro.

Inosanganisira zvakaunganidzwa zvinotaura kuti ungawane rumwe ruzivo kupi pamusoro pechimwe nechimwe chezvinhu izvi. Bvunza mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa (police custody officer) kana une mibvunzo.

Vanhu vanoda rubatsiro

  • Kana une makore ari pasi pegumi nemasere (18), kana kuti uine zvinokutadzisa kuita zvimwe zvinhu, semuenzaniso kana uchinetsekana nekudzidza kana kuti uine matambudziko eutano hwepfungwa, une kodzero yekuti uve nemumwe munhu apo mapurisa anenge achiita zvaanenge achiita. Munhu uyu anonzi “mukuru wako anokodzera” uye anopiwa kopi yeChiziviso chino.
  • Mukuru wako anokodzera achakubatsira kuti unzwisise zviri kuitika uye achanzwawo kuti zvii zvauri kuda. Anofanira kuva newe apo mapurisa anokuudza nezvekodzero dzako uye vachikuudza kuti sei uri kuchengetwa kukamba yemapurisa. Anofanirawo kuva newe apo mapurisa anenge achikuverengera yambiro nezvekodzero dzako.
  • Mukuru wako anokodzera anogonawo kukukumbirira gweta.
  • Unogona kutaura negweta rako mukuru wako anokodzera asimo mumba imomo kana uchida kuita kudaro.
  • Mapurisa anogonawo kuda kuita chimwe chezvinhu zvakaunganidzwa pasi apa paunenge uri kukamba yemapurisa. Kunze kwekunge paine zvikonzero zvakakosha, mukuru wako anokodzera anofanira kuva newe nguva yose kana mapurisa akaita chipi nechipi zvacho chezvinhu izvi:
    • Kukubvunza kana kukukumbira kuti usainire zvaunenge wataura, zvanyorwa pasi kana zvinyorwa zvipfupi zvemapurisa.
    • Kupfekenura mbatya kusvika dzemukati vachida kuongorora zviri mukati.
    • Kutora mifananidzo yeminwe, mufananidzo kana DNA kana imwewo semburu.
    • Vachida kuita zvipi zvazvo zvine chekuita nekupa mukana munhu akaona mhosva ichiparwa kuti anongedze munhu waakaona achipara mhosva yacho.
  • Mukuru anokodzera waunosarudza anofanira kupiwa mukana wekuvepo kana kuridza runhare kuti akubatsire, apo mapurisa anoongororazve nyaya yako kuti vaone kuti uchiri kufanira here kupfuurira mberi wakavharirwa.
  • Kana mukuru anokodzera waunosarudza aripo, anofanira kuvepo apo mapurisa anokupa mhosva.

Kunyorwa pasi kwezvese zvinoitika paunenge uri kukamba yemapurisa

  • Zvese zvinoitika kwauri uri kukamba yemapurisa zvinonyorwa pasi. Izvi zvinonzi zvinyorwa zvekuvharirwa kukamba yemapurisa (Custody Record).
  • Apo unobva kukamba yemapurisa, iwe, gweta rako kana mukuru wako anokodzera vanogona kukumbira kopi yezvakanyorwa pasi nezvezvanga zvichiitika kwauri uri kukamba yemapurisa. Mapurisa anofanira kukupa kopi yezvakanyorwa pasi nezvezvanga zvichiitika kwauri uri kukamba yemapurisa nekukurumidza sekugona kwavo.
  • Unogona kukumbira mapurisa kuti vakupe kopi yezvakanyorwa pasi nezvezvanga zvichiitika kwauri uri kukamba yemapurisa mukati memwedzi inosvika gumi nemiviri (12) pashure pekunge wabva kukamba yemapurisa.

Kutaura nevanhu

  • Pamwe chete nekutaura negweta uye kuudzwa kwemumwe munhu nekuda kwekusungwa kwako unowanzobvumidzwa kuti uridze runhare kamwe chete.
  • Kumbira mapurisa kana uchida kuridza runhare.
  • Unogonawozve kukumbira chinyoreso nebepa.
  • Unogona kushanyirwa asi mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa anogona kuramba kuti uite izvi.

Imba Yako Yekuvharirwa

  • Kana zvichigona unofanira kugariswa mumba yako yekuvharirwa uri wega.
  • Inofanira kunge yakachena, ichidziya uye ine magetsi.
  • Zvekufuga zvako zvinofanira kunge zvakachena uye zvakanaka.
  • Unofanira kubvumidzwa kushandisa chimbudzi uye kuti ugeze.

Zvinodiwa nemunhu – hutano, hutsanana nemagariro

  • Munofanirwa kubvunzwa kuti munoda here kutaura pakahwanda nenhengo yeavo vanoona nekuchengetwa kwevasungwa maererano nezvamunenge muchida kubatsirwa nazvo pahutano, hutsanana nemagariro enyu zvingakwanise kukukanganisai kana kukushungurudzai muri pahusungwa.
  • Mapurisa acharonga kuti muvane zvinenge zvakakosha kwamuri. Kana muchida, munhu wamunotaura naye anogona kunge achienderana nezvamuri pakuva munhurume kana kuti munhukadzi.
  • Kana muri mudzimai ane makore 18 kana kupfuura, munofanirwa kubvunzwa kana muchida zviro zvinoshandiswa kana munhu ari kumwedzi panguva yamunenge muri mujeri uye munofanira kuudzwa kuti:
    • zvekushandisa izvi munozvipiwa mahara;
    • zvekuwedzera kana zvapera zvinowanikwa; uye
    • zvekushandisa izvi munogona kuzviigirwa nevemhuri kana shamwari, kana mukuru anoona nemagariro evasungwa achinge abvuma.
  • Kana muri musikana ari pasi pemakore 18, mukuru anoona nemagariro evasungwa acharonga kuti pave nemunhu vechidzimai pakamba yemapurisa anozokubatsirai nekukubvunzai pamusoro pezvamunoda nezvekushandisa kana muri kumwedzi.

Mbatya

Kana mbatya dzako dzatorwa kubva kwauri, mapurisa anofanira kukupa zvimwe zvekupfeka.

Kudya nekunwa

Unofanira kupiwa kudya katatu pazuva nezvekunwa. Unogonawo kunwa zvekunwa pakati penguva yekudya.

Kutwasanudza muviri

Kana zvichigona unofanira kubvumidzwa kubuda panze zuva roga roga kuti ufurwe nemhepo.

Apo mapurisa anenge achikubvunza mibvunzo

  • Imba yacho inofanira kunge yakachena, ichidziya uye yakabatidzwa magetsi.
  • Haufanire kutarisirwa kuti umire.
  • Mapurisa acho anofanira kukuudza mazita avo pamwe chete nenyembe dzebasa ravo.
  • Unofanira kupiwa nguva yekuzorora panguva dzekudya dzakatarwa uye nguva yekuzorora uchiwana chekunwa mushure menguva ingada kuita maawa maviri (2) yoga yoga.
  • Unofanira kubvumidzwa kuva nenguva inobva pamaawa masere (8) zvichienda mberi yekuzorora mukati memaawa makumi maviri nemana (24) wakavharirwa mukamba yemapurisa.

Zvechitendero

Udza mapurisa kana pane zvaunoda kuti zvikubatsire kutevedzera chitendero chako uri pakamba. Vanogona kupa mabhuku echitendero nezvimwewo zvinhu, maringe nezvinenge zvichidiwa.

Nguva apo mitemo inoshandiswa inosiyana neinogaroshandiswa

Kuwana gweta kuti rikubatsire

Pane dzimwe nguva dzakatsanangurika apo mapurisa anenge achidisa zvikuru kukubvunza mibvunzo usati wataura negweta. Ruzivo nezvenguva idzi rwakapiwa muMitemo Yemashandiro. Iri ndiro bhuku rinoratidza izvo zvinogona kana kusagona kuitwa nemapurisa apo unenge uri kukamba yemapurisa. Kana uchida kutsvaga zvizhinji pamusoro peizvi, zviri mundima 6.6 yeMutemo C weMitemo Yemashandiro.

Pane nguva imwe chete yakasanangurika apo mapurisa asingakubvumidze kutaura negweta raunenge wazvisarudzira wega. Kana izvi zvaitika unofanira kubvumidzwa kusarudza rimwe gweta. Kana uchida kutsvaga zvizhinji pamusoro peizvi, zviri muMubatanidzwa (Annex) B weMutemo C weMitemo Yemashandiro.

Kuudza mumwe munhu kuti uri kukamba yemapurisa

Pane dzimwe nguva dzakasanangurika apo mapurisa asingakubvumidze kubata munhu upi zvake. Ruzivo nezvenguva dzakasanangurika idzi rwakapiwa muMitemo Yemashandiro. Kana uchida kutsvaga zvizhinji pamusoro peizvi, zviri muMubatanidzwa (Annex) B weMutemo C weMitemo Yemashandiro.

Mhosva dzekutyaira mota wakadhakwa nedoro kana madhiragi.

Kana wasungwa nekuda kwemhosva yekutyaira mota wakadhakwa nedoro kana nemadhiragi, une kodzero yekutaura negweta. Kodzero iyi haireve kuti unogona kuramba kupa mapurisa chikamu chemweya wauri kufema, ropa kana weti kunyange zvazvo usati wataura negweta.

Kuvharirwa zviri pasi peMutemo Weutano Hwepfungwa wemugore ra1983

Mapurisa anogonawo kukuvharira kukamba yemapurisa kuti vaongorore sezviri pasi peMutemo Weutano Hwepfungwa (Mental Health Act) kana uine makore 18 kana kudarika, uye nechikonzero chekuti pane mukana wekuti maitiro ako achakonzera kuti uzvikuvadze zvakaipisisa kana kuti ugume wafa, kana kuuraisa vamwe, uye kana pasina kumwe kwaunogona kuvharirwa. Kana wavharirwa zviri pasi peMutemo Weutano Hwepfungwa (Mental Health Act), izvi hazvireve kuti wasungwa nekuda kwekupara mhosva.

Zvinoreva kuti mapurisa anofanira kuronga kuti uonekwe nachiremba uye kuti nyanzvi yezveutano hwepfungwa inobvumidzwa kuita izvi (Approved Mental Health Professional) iite kuongorora uku. Unofanira kuongororwa mukati memaawa makumi maviri nemana (24) ekusvika kwako kana kuti ekuvharirwa kwako kukamba yemapurisa, asi mapurisa anoedza kuronga izvi nekukurumidza sekugona kwavo. Kukamba yemapurisa, maawa 24 ekuongororwa kwako anogona kuwedzerwa nemamwe maawa 12 kana chiremba akaona zvichidiwa uye kana mukuru mukuru wemapurisa akatendera kuti zvidaro. Munguva iyi mapurisa anogona kukuendesa kunzvimbo yakakodzera kuti kuongororwa uku kunyatsoitwa.

Paunenge wakamirira kuongororwa, mapurisa anogona kuronga kuti uonekwe nemunhu anoshanda mune zveutano anobvumidzwa kuita izvi (Approved Healthcare Practitioner). Haagone kuita kuongorora uku, asi anokubatsira nezvinhu zvese zvine chekuita nezvinogona kunge zvichikunetsa neutano hwako uye kukubatsira nekukutsanangurira zvinorehwa nokuongorora kwacho.

Vashanyi Vakazvimiririra Vari Vega Vanoshanyira Vanhu Vakavharirwa (Independent Custody Visitors)

Kune dzimwe nhengo dzinogara munharaunda dzinobvumidzwa kusvika mukamba yemapurisa dzisina kuzivisa kuti dziri kuuya. Dzinozivikanwa seVashanyi vakazvimiririra vari vega vanoshanyira vanhu vakavharirwa (independent custody visitors) uye vanoshanda nekuzvidira vega kuti vaone kuti vanhu vanenge vakavharirwa vari kubatwa zvakanaka here uye kuti vari kugona kushandisa kodzero dzavo here.

Hauna kodzero yekuona munhu akazvimiririra ega anoshanyira vanhu vakavharirwa uye haugone kukumbira kuti munhu akazvimiririra ega anoshanyira vanhu vakavharirwa akushanyire. Kana munhu akazvimiririra ega anoshanyira vanhu vakavharirwa akakushanyira, anenge achishanda ari ega zvisineyi nemapurisa kuti aone kuti uri kuchengetwa zvakanaka here uye kuti kodzero dzako dzakachengetedzwa here. Zvisinei, hautarisirwe kuti utaure navo kana usingade kuita saizvozvo.

Nzira dzekuisa nadzo chichemo

Kana uchida kuisa chichemo pamusoro pemabatirwo awaitwa, kumbira kutaura kune mupurisa anoita basa rekuongorora zvinhu (Inspector) kana mukuru pana iyeye. Pashure pekunge wasunungurwa, unogonawozve kuisa chichemo kukamba yemapurisa chero ipi zvayo, kubato remapurisa rinoona nezvezvichemo rakazvimiririra riri rega (Independent Office for Police Conduct (IOPC) kana nekune gweta kana mumiririri wako wehurumende kuti vakumiririre.