Guidance

Notice of rights and entitlements Shona (PACE Code H) (accessible version)

Updated 23 January 2020

Mutemo pamhosva Dzeugandanga wa2000

Yeuka kodzero dzako paunenge wakavharirwa

Kodzero dziri muChiziviso chino dzakatsidzwa kwauri uye zvinoenderana nechibvumirano chenyika dzemuEurope pamusoro pekodzero dzevanhu uye zvinoenderana ne EU Directive 2012/13 pakodzero dzekuwana ruzivo pakufambiswa kwemhosva.

Kodzero dzako kana waiswa kukamba yemapurisa dzinopfupikiswa pano. Pane mashoko akawanda kubva pandima 1 kusvika kundima 11 pamapeji anotevera. Mashoko akawanda anowanikwa mugwaro remutemo remapurisa rinonzi Practice H.

  1. Udza mapurisa kana uchida gweta kuti rikubatsire paunenge uri pakamba yemapurisa. Izvi hazvibhadhariswi.

  2. Udza mapurisa kana uchida kuti mumwe munhu audzwe kwaunenge uri. Izvi hazvibhadhariswi.

  3. Udza mapurisa kana uchida kutarisa mitemo yavo – inonzi Mitemo yeMashandiro.

  4. Udza mapurisa kana uchida rubatsiro rwezveutano. Udza mapurisa kana usinganzwe zvakanaka kana kuti uchinge wakuvara. Rubatsiro rwezveutano harubhadhariswi.

  5. Kana ukabvunzwa mibvunzo ine chokuita nekufungirwa kwako kuti wakaita, wakaronga kana kuti wakakuchidzira mabasa ehugandanga, haumanikidzwe kuti utaure chinhu. Zvisinei, zvinogona kukanganisa kuzvirwira kwako kana ukasataura chinhu paunobvunzwa nepo chinhu chacho uchizomira nacho pakuzvirwira kwako mudare. Chipi zvacho chaunotaura chinogona kushandiswa sehumboo mudare.

  6. Mapurisa anofanira kukuudza nezve nzira yawarikufungidzira nayo kuti wakaita, wakaronga kana kuti kukuchidzira mabasa ehugandanga uye kuti sei wasungwa uye uri kuvharirwa.

  7. Mapurisa anofanira kubvumidza iwe kana gweta rako kuona marekodhi nemagwaro anoona nezvekuti sei wasungwa uye kuti sei wavharirwa uye ezvange zvichiitika kwauri uri kukamba yemapurisa.

  8. Mapurisa anofanira kukutsvakira muturikiri kana uchimuda. Unogonawo kushandurirwa magwaro ako mumutauro waunonzwisisa. Izvi hazvibhadhariswi.

  9. Udza mapurisa kana usiri munhu werudzi rwechiBritish uye uchida kubata veembasi yako kana kuti uchida kuti vaudzwe kuti wavharirwa. Izvi hazvibhadhariswi.

  10. Mapurisa anofanira kukuudza kuti vanogona kukuvharira kwenguva yakareba sei.

  11. Kana uchinzi une mhosva uye nyaya yako yakwidzwa kudare, iwe kana gweta rako mune kodzero yekuona umboo hwevari kupa mhosva nyaya isati yanzwikwa nedare.

Kana usina chokwadi nezvekodzero idzi, udza mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu

Ona mapeji ari pasi pepfupikiso kuti uwane mashoko akawanda nezvekuti mapurisa anofanira kukubata nekukutarisira sei.

Chinyorwa chemhando ino cheChiziviso cheKodzero neZvinotarisirwa (Notice of Rights and Entitlements) chinotanga kushanda kubva musi wa21 Nyamavhuvhu 2019

Ndapota verenga mashoko aya nekukurumidza sezvaungagona uye uchengete ruzivo rwacho. Zvinozokubatsira pakuita zvisarudzo paunenge uri kukamba yemapurisa.

1. Kutsvaga gweta kuti rikubatsire

  • Gweta rinogona kukubatsira nekukupa mazano pane zvemutemo.
  • Kukumbira kuti utaure negweta hakuite kuti uonekwe seune mhosva yawakapara.
  • Mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa (Police Custody Officer) anofanira kukubvunza kuti unoda rubatsiro here pane zvemutemo. Izvi hazvibhadhariswi.
  • Mapurisa anofanira kukupa mukana wekutaura negweta nguva ipi zvayo, masikati kana usiku, paunenge uri pakamba yemapurisa.
  • Kana wakumbira mazano pane zvemutemo, kazhinji mapurisa haabvumidzwe kukubvunza mibvunzo kusvikira wawana mukana wekutaura negweta. Apo mapurisa anenge achikubvunza mibvunzo, unogona kukumbira kuti gweta rive newe mumba macho.
  • Kana ukaudza mapurisa kuti haude mazano pane zvemutemo asi wozoshandura mafungiro ako udza mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa uyo anozokubatsira kuti ubatane negweta.
  • Kana gweta rikasauya kana kukubata kukamba yemapurisa, kana kuti uchida kutaura negweta zvakare, kumbira mapurisa kuti varibate zvakare.
  • Unogona kukumbira kuti utaure negweta raunoziva uye hauzotarisirwa kuti ubhadhare kana vachiita basa rekubatsira pane zvemutemo (legal aid). Kana usina gweta raunoziva kana kuti gweta raunoziva risingagone kubatika, unogona kutaura negweta rinenge riri pabasa musi iwoyo. Izvi hazvibhadhariswi.
  • Gweta rinenge riri pabasa musi iwoyo harinei chekuita nemapurisa.

Kuronga zvemazano ezvemutemo anopiwa pasina mubhadharo:

  • Mapurisa anofona panzvimbo inowanikwa magweta anorwira vanhu vari kupomerwa mhosva (Defence Solicitor Call Centre (DSCC)). VeDSCC vanoronga kuti mazano pasina mubhadharo apiwe kubva kugweta raunenge wakumbira kana kubva kugweta rinenge riri pabasa musi iwoyo.
  • VeDSCC ibato rakazvimiririra riri roga rinopa rubatsiro uye rine basa rekuronga zvekupiwa kwemazano ezvemutemo pasina mubhadharo uye harinei chekuita nemapurisa.

Kana uchida kubhadhara zvekupiwa kwemazano ezvemutemo pachezvako:

  • Pane dzimwe nyaya unogona kubhadharira mazano ezvemutemo kana uchida.
  • VeDSCC vanobata gweta rako vakakumiririra.
  • Une kodzero yekuti utaure negweta raunozvisarudzira parunhare pasina mumwe munhu kana kuti vanogona kusarudza kuuya kuzotaura newe kukamba yemapurisa.
  • Kana gweta raunenge wazvisarudzira wega risingagone kubatika, mapurisa anogona kuchaira runhare veDSCC kuti varonge nezverubatsiro rwezvemutemo pasina mubhadharo kubva kune gweta rinenge riri pabasa musi iwoyo (Duty Solicitor).

2. Kuudza mumwe munhu kuti uri kukamba yemapurisa

  • Unogona kukumbira mapurisa kuti abate mumwe munhu anofanira kuziva kuti uri kukamba yemapurisa. Izvi hazvibhadhariswi.
  • Vanozokubatira munhu uyu nekukurumidza sekugona kwavo.

3. Kutarisa Mitemo Yemashandiro (Codes of Practice)

  • Mitemo Yemashandiro mitemo inokuudza zvinogona kana kusagona kuitwa nemapurisa paunenge uri kukamba yemapurisa. Mitemo yacho inosanganisa tsanangudzo dzezviri muChiziviso chino.
  • Mapurisa anokubvumira kuverenga Mitemo Yemashandiro avo, asi hauzoiti izvi kana zvichizotadzisa mapurisa kuferefeta kuti vazive kuti watyora mutemo here.
  • Kana uchida kuverenga Mitemo Yemashandiro, udza mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa (Police Custody Officer).

4. Kuwana rubatsiro rwezveutano kana usinganzwe zvakanaka kana kuti wakuvara

  • Udza mapurisa kana usinganzwe zvakanaka kana kuti uchida mishonga kana kuti wakuvara. Vanodaidza chiremba kana mukoti kana imwewo nyanzvi pane zveutano uye hapana chaunobhadhara.
  • Unogona kubvumidzwa kushandisa mushonga wako pachezvako, asi mapurisa anofanira kutanga aongorora. Mukoti ndiye anowanzokuona pokutanga, asi mapurisa anodaidza chiremba kana uchimuda. Unogona kukumbira mumwe chiremba asi unozozvibhadharira wega kana zvadaro.

5. Kodzero yekuramba wakanyarara

Kana ukabvunzwa mibvunzo ine chokuita nekufungirwa kwako kuti wakaita, wakaronga kana kuti wakakuchidzira mabasa ehugandanga, haumanikidzwe kutaura chinhu.

Zvisinei, zvinogona kukanganisa kuzvirwira kwako kana ukarega kutaura kana wabvunzwa chimwe chinhu chaunozozvitsigira nacho pashure mudare remhosva.

Zvese zvaunotaura zvinogona kushandiswa sehumboo.

6. Kuziva kuti sei wasungwa uye wavharirwa

  • Mapurisa anofanira kukupa mashoko kuitira kuti unzwisise chikonzero chekuti sei wasungwa uye uri kufungidzirwa kuti wakaita, wakaronga kana kuti wakakuchidzira mabasa ehugandanga.
  • Pakamba yemapurisa, mapurisa anofanira kukuudza kuti sei vachitenda kuti unofanira kuvharirwa.
  • Usati wabvunzwa mibvunzo chero ipi zvayo nekuda kwekufungidzirwa kwako kuti wakaita zveugandanga, mapurisa anofanira kupa iwe kana gweta rako mashoko azere ezvavarikufunga kuti wakaita kuitira kuti ugone kuzvirwira asi chero bedzi izvi zvisingazokanganisi mapurisa kuferefeta nyaya yacho.
  • Izvi ndozvinoitwa pamhosva dzimwe dzipi zvadzo dzinofungwa nemapurisa kuti wakapara.

7. Kuona marekodhi nemagwaro nezvekusungwa nekuvharirwa kwako

  • Kana wavharirwa pakamba yemapurisa, mapurisa anofanira:
    • Kunyora murekodhi yako yekuvharirwa, chikonzero uye kudikanwa kwekusungwa kwako uye kuti sei vachitenda kuti unofanira kuvharirwa.
    • Kurega iwe negweta rako kuti mutarise marekodhi aya. Mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu acharonga izvi.
  • Mapurisa anofanira kubvumidza iwe kana gweta rako kutarisa magwaro uye zvinyorwa zvinokosha kuti mugone kunyatsopikisa zviri pamutemo kusungwa nekuvharirwa kwako.

8. Kuwana muturikiri uye kuiswa kwezvimwe zvinyorwa mune mumwe mutauro kuti zvikubatsire

  • Kana usingataure kana kunzwisisa Chirungu mapurisa anoronga kuti mumwe munhu anotaura mutauro wako akubatsire. Izvi hazvibhadhariswi.
  • Kana uri matsi kana kuti usingagone kunyatsotaura, mapurisa anoronga kuti muturikiri anobva kubato rinoona nezvemutauro weChirungu wevanhu vasingagone kutaura reBritish Sign Language akubatsire. Izvi hazvibhadhariswi.
  • Kana usingataure kana kunzwisisa Chirungu, mapurisa anounza muturikiri kuti akuudze kuti sei vari kukusunga. Izvi zvinofanira kuitwa nguva yose apo mapurisa anosarudza kukuvharira muchitokisi.
  • Pashure pesarudzo imwe naimwe yekukuchengeta muchitokisi uye pashure pekunge wapomerwa mhosva ipi zvayo, mapurisa anofanira kukupawo zvinyorwa pamusoro pako mumutauro wako kuti sei uri kuvharirwa muchitokisi uye mhosva ipi zvayo yaunenge wapomerwa kunze kwekunge pane zvikonzero zvakakosha zvinoita kuti usazvipiwe. Izvi ndezvinoti:
    • Kana ukasarudza kuti haude zvinyorwa kuti uzvirwire nechikonzero chekuti unonyatsonzwisisa zviri kuitika nezvinozobuda mukusashandisa kwako kodzero yako yezvinyorwa pamusoro pako uye gweta richinge rakubatsira kusarudza zvekuita. Unofanirawo kupa mvumo yako yakaita zvokunyorwa.
    • Kana kuturikirirwa kana kupiwa pfupiso nemuturikiri panzvimbo pechinyorwa chakaiswa mune mumwe mutauro zvakakukwanira kuti uzvirwire uye kuti unzwisise zvakakwana zvinenge zvichitora nzvimbo. Mupurisa wemuchitokisi anofanira kutanga abvumidza izvi.
  • Apo mapurisa anokubvunza mibvunzo vasingatepe zvaunotaura, muturikiri anonyora pasi mibvunzo yacho nemhinduro dzako mumutauro wako. Unozogona kutarisa zvanyorwa zvacho usati wazvisainira kuti ndizvo chaizvo zvawataura.
  • Kana uchida kupa mapurisa nhoroondo yezvakaitika, muturikiri anoita kopi yezvaunenge wataura mumutauro wako kuitira kuti uzvitarise uye wosainira kuti ndizvo chaizvo zvawataura.
  • Une kodzero yekuisirwa Chiziviso chino mune mumwe mutauro. Kana usina kuisirwa mumutauro waunonzwisisa, unofanira kupiwa ruzivo kuburikidza nemuturikiri wozopiwa ruzivo rwakanyorwa mumutauro wako mukati menguva shoma.

9. Kubata embassy kana vanomiririra nyika yako muBritain veHigh Commission

Kana usiri munhu werudzi rwechiBritish, unogona kuudza mapurisa kuti unoda kubata vanomiririra nyika yako muBritain veHigh Commission, Embassy kana Consulate kuti uvaudze kuti uri kupi uye kuti sei uri mukamba yemapurisa. Vanogonawo kukushanyira muri mega kana kuronga kuti gweta riuye kunokuona.

10. Marebero enguva yaunogona kuvharirwa

  • Unongogona chete kuvharirwa kwemaawa anopfuura makumi mana nemasere (48) kana dare rabvumidza mapurisa kuti vatore nguva yakareba vakakuvharira usina kupiwa mhosva. Matare ane simba rekuwedzera nguva yekukuvharira pasina kupiwa mhosva kusvika pamazuva gumi nemana (14) kubva pakusungwa kwako.
  • Nguva imwe neimwe mukuru wemapurisa anofanira kutarisa nyaya yako kuti aone kana pachine chikonzero chekuti urambe wakavharirwa. Izvi zvinonzi kuongorora (review). Kunze kwekunge usingagone kuzvitaurira wega une kodzero yekuti uve nechekutaura nezvesarudzo iyi. Gweta rako rinewo kodzero yekuva nechekutaura nezvesarudzo iyi richikumiririra.
  • Kana mupurisa anoongorora akasakusunungura, unofanira kutsanangurirwa uye chikonzero chacho chonyorwa murekodhi yako yekuvharirwa.
  • Kana pasina chikonzero chekuvharirwa kwako unofanira kusunungurwa.
  • Kana mapurisa akakumbira dare kuti riwedzere kuvharirwa kwako:
    • Unofanira kupiwa chiziviso chakanyorwa uchiudzwa kuti nyaya yako ichanzwiwa rini nedare uye chikonzero chekuwedzera kuvharirwa kwako.
    • Unofanira kuunzwa kudare kuti nyaya yako inzwiwe kutoti paitwa gadziriro yekuti pave neterevhizheni inoita kuti mukurukurirane muchionana uye muchinzwana zvakanaka nevanenge vari kudare.
    • Une kodzero yekuva pamwe negweta rako panenge pachinzwiwa nyaya yako mudare.
    • Mapurisa anongobvumidzwa chete kukuvharira mujeri kana dare richitenda kuti zvine basa uye kuti mapurisa ari kuongorora nyaya yako zvakanaka uye pasina kutambisa nguva .
  • Kana mapurisa aine humboo hwakakwana kuti akuendese kudare, unogona kupiwa mhosva pakamba kana netsamba, kuti uende kudare kunotongwa.

Kuongorora nekuwedzerwa kwenguva yekuvharirwa

  • Panogona kuva nenguva apo unogona kuvharirwa kwenguva inopfuura maawa makumi mana nemasere (48) pashure pekunge wasungwa. Panguva dzakadai, unofanira kupiwa zvinotevera:
    • Gwaro rakanyorwa rinoratidza kuti chikumbiro chakaitwa chekuwedzera kuvharirwa kwako;
    • Nguva apo chikumbiro chacho chakaitwa;
    • Nguva apo chikumbiro chacho chichanzwikwa nedare uye
    • Chikonzero (zvikonzero) chekuti kuvharirwazve kwako kuchaitwa.

Chiziviso chinofanirazve kupiwa kwauri (pamwe nemumiririri wako ari pamutemo) nguva yose apo chikumbiro chinoitwa chekuda kurebesa kana kuti kurebesazve nguva yekuvharirwa kwako.

11. Kuona humboo kana nyaya yako yaenda kuDare

Kana ukapiwa mhosva, iwe kana gweta rako munofanira kubvumidzwa kuona humboo huri kushandiswa kukupa mhosva uyezve humboo hunogona kukubatsira kuzvirwira. Izvi zvinofanira kuitwa kutongwa kwako kusati kwatanga. Mapurisa neveCrown Prosecution Service ndivo vanofanira kuronga izvi uye kukugonesa kuona magwaro nezvinyorwa zvine chekuita nenyaya yako.

Zvimwe zvinhu zvekuziva pamusoro pekuva kukamba yemapurisa

Mabatirwo nemachengeterwo aunofanira kuitwa

Mashoko mashoma aya anokutaurira pamusoro pezvaunofanira kutarisira apo unenge wakachengetwa kukamba yemapurisa. Kuti uzive zvizhinji, kumbira kuti uone Mitemo Yemashandiro. Inosanganisira zvakadomwa zvinotaura kuti ungawane rumwe ruzivo kupi pamusoro pechimwe nechimwe chezvinhu izvi. Bvunza mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa (police custody officer) kana uine zvaunoda kunzwisisa.

Vanhu vanoda rubatsiro

  • Kana une makore ari pasi pegumi nemasere (18), kana kuti uine zvimwe zvinetso, semuenzaniso kana uchinetsekana nekudzidza kana kuti uine matambudziko eutano hwepfungwa, une kodzero yekuti uve nemumwe munhu apo mapurisa anenge achiita zvaanenge achiita. Munhu uyu anonzi “mukuru wako anokodzera” uye anopiwa kopi yeChiziviso chino.
  • Mukuru wako anokodzera achakubatsira kuti unzwisise zviri kuitika uye achakubatsira kuti zvikunakire. Angava munhurume kana munhukadzi anofanira kuva newe apo mapurisa anokuudza nezvekodzero dzako uye vachikuudza kuti sei uri kuvharirwa kukamba yemapurisa. Angava munhurume kana munhukadzi anofanira kuva newe apo mapurisa anenge achikuverengera yambiro nezvekodzero dzako.
  • Mukuru wako anokodzera anogonawo kukukumbirira gweta.
  • Unogona kutaura negweta rako mukuru wako anokodzera asimo mumba imomo kana uchida kuita kudaro.
  • Mapurisa anogonawo kuda kuita chimwe chezvinhu zvakadomwa pasi apa paunenge uri kukamba yemapurisa. Kunze kwekunge paine zvikonzero zvakakosha, mukuru wako anokodzera anofanira kuva newe nguva yose kana mapurisa akaita chipi nechipi zvacho chezvinhu izvi:
    • Kukubvunza kana kukukumbira kuti usainire zvaunenge wataura zvanyorwa pasi kana zvinyorwa zvipfupi zvemapurisa.
    • Kupfekenura mbatya kusvika dzemukati vachida kuongorora zviri mukati.
    • Kutora mifananidzo yeminwe, mufananidzo kana DNA kana imwewo semburu.
    • Vachida kuita zvipi zvazvo zvine chekuita nekupa mukana kuti munhu akaona mhosva ichiparwa anongedze munhu waakaona achipara mhosva yacho.
  • Mukuru wako anokodzera anofanira kupiwa mukana wekuti iye pachake avepo kana kuti ave parunhare kuti akubatsire apo mapurisa anoongorora nyaya yako kuti vaone kana uchifanira kuvharirwazve.
  • Kana mukuru anokodzera waunosarudza aripo, anofanira kuvepo apo mapurisa anokupa mhosva.

Kunyorwa pasi kwezvese zvinoitika paunenge uri kukamba yemapurisa

  • Zvese zvinoitika kwauri uri kukamba yemapurisa zvinonyorwa pasi. Izvi zvinonzi Zvinyorwa Zvekuvharirwa (Custody Record).
  • Paunobva pakamba yemapurisa, iwe, gweta rako kana mukuru wako anokodzera munogona kukumbira kopi yezvakanyorwa pasi nezvezvanga zvichiitika kwauri uri kukamba yemapurisa. Mapurisa anofanira kukupa kopi yezvakanyorwa pasi nezvezvanga zvichiitika kwauri uri kukamba yemapurisa nekukurumidza sekugona kwavo.
  • Unogona kukumbira mapurisa kuti vakupe kopi yezvakanyorwa pasi nezvezvanga zvichiitika kwauri uri kukamba yemapurisa mukati memwedzi inosvika gumi nemiviri (12) pashure pekunge wabva kukamba yemapurisa.

Kutaura nevanhu

  • Pamwe chete nekutaura negweta uye kuudzwa kwemumwe munhu nekuda kwekusungwa kwako unowanzobvumidzwa kuti uridze runhare kamwe chete.
  • Kumbira mapurisa kana uchida kuridza runhare.
  • Unogonawozve kukumbira chinyoreso nebepa.
  • Unogona kushanyirwa asi mupurisa anoona nezvekuvharirwa kwevanhu kukamba yemapurisa anogona kuramba.

Muchitokisi Mako ( Your cell )

  • Kana zvichigona unofanira kugariswa muchitokisi mako uri wega.
  • Munofanira kunge makachena, muchidziya uye muine magetsi.
  • Zvekufuga zvako zvinofanira kunge zvakachena uye zvakanaka.
  • Unofanira kubvumidzwa kushandisa chimbudzi uye kuti ugese.

Zvinodiwa nemunhu – hutano, hutsanana nemagariro

  • Munofanirwa kubvunzwa kuti munoda here kutaura pakahwanda nenhengo yeavo vanoona nezvekuchengetwa kwevasungwa maererano nezvamunenge muchida kubatsirwa nazvo pahutano, hutsanana nemagariro enyu zvingakwanise kukukanganisai kana kukushungurudzai muri pahusungwa.
  • Mapurisa acharonga kuti muwane zvinenge zvakakosha kwamuri. Kana muchida, munhu wamunotaura naye anogona kunge achienderana nezvamuri pakuva munhurume kana kuti munhukadzi.
  • Kana muri mudzimai ane makore 18 kana kupfuura, munofanirwa kubvunzwa kana muchida zvinoshandiswa kana munhu ari kumwedzi panguva yamunenge muri mujeri uye munofanira kuudzwa kuti:
    • zvekushandisa munozvipiwa pachena pasina muripo;
    • kana zvamunenge mapiwa zvapera, zvekuwedzera zvinowanikwa; uye
    • zvekushandisa izvi munogona kuzviigirwa nevemhuri kana shamwari dzenyu kana mukuru anoona nezvemagariro evasungwa achinge abvuma.
  • Kana muri musikana ari pasi pemakore 18, mukuru anoona nezvemagariro evasungwa acharonga kuti pave nemunhu wechidzimai pakamba yemapurisa anozokubatsirai nekukubvunzai pamusoro pezvamunoda nezvekushandisa kana muri kumwedzi.

Mbatya

Kana mbatya dzako dzatorwa kubva kwauri, mapurisa anofanira kukupa zvimwe zvekupfeka.

Kudya nekunwa

Unofanira kupiwa kudya katatu pazuva nezvekunwa. Unogonawo kunwa zvimwiwa pakati penguva yekudya.

Kutwasanudza muviri

Kana zvichigona unofanira kubvumidzwa kubuda panze zuva roga roga kuti ufurwe nemhepo.

Apo mapurisa anenge achikubvunza mibvunzo

  • Imba yacho inofanira kunge yakachena, ichidziya uye yakabatidzwa magetsi.
  • Haufanire kutarisirwa kuti umire.
  • Mapurisa acho anofanira kukuudza mazita avo pamwe chete nenyembe dzebasa ravo.
  • Unofanira kupiwa nguva yekuzorora panguva dzekudya dzakatarwa uye nguva yekuzorora uchiwana chekunwa mushure menguva ingada kuita maawa maviri (2) yoga yoga.
  • Unofanira kubvumidzwa kuva nenguva inobva pamaawa masere (8) zvichienda mberi yekuzorora mukati memaawa makumi maviri nemana (24) wakavharirwa mukamba yemapurisa.

Zvechitendero

Udza mapurisa kana pane zvaunoda kuti zvikubatsire kutevedzera chitendero chako uri pakamba. Vanogona kupa mabhuku echitendero nezvimwewo zvinhu, maringe nezvinenge zvichidiwa.

Nguva apo mitemo inoshandiswa inosiyana neinogaroshandiswa

Kuwana gweta kuti rikubatsire

Pane dzimwe nguva dzakasanangurika apo mapurisa anenge achidisa nekukurumidza zvikuru kukubvunza mibvunzo usati wataura negweta. Mashoko nekuda kwenguva idzodzo akaiswa muMitemo Yemashandiro. Iyi mitemo inoratidza zvinogona kana kusagona kuitwa nemapurisa paunenge uri kukamba yemapurisa. Kana uchida kutsvaga zvizhinji pamusoro peizvi, zviri mundima 6.7 yeMutemo H weMitemo Yemashandiro.

Pane nguva imwe chete yakasanangurika apo mapurisa asingakubvumidze kutaura negweta raunenge wazvisarudzira wega. Kana izvi zvaitika unofanira kubvumidzwa kusarudza rimwe gweta. Kana uchida kutsvaga zvizhinji pamusoro peizvi, zviri muMubatanidzwa (Annex) B weMutemo H weMitemo Yemashandiro.

Pane nguva imwe chete apo mapurisa anokurambidza kutaura negweta rako muri mega. Izvi zvinoitika apo mukuru mukuru wemapurisa anopa mvumo yekuti muongorori anenge akapfeka yunifomu yebasa avepo paunotaura negweta. Kana uchida kutarisa mashoko azere, anowanikwa mundima 6.5 yeMutemo H weMitemo Yemashandiro.

Kuudza mumwe munhu kuti uri kukamba yemapurisa

Pane nguva apo mapurisa asingakubvumidze kutaura nemunhu chero upi zvake. Ruzivo nezve nguva idzi rwakapiwa muMitemo Yemashandiro. Kana uchida kutsvaga zvizhinji pamusoro peizvi, zviri muMubatanidzwa (Annex) B weMutemo H weMitemo Yemashandiro.

Vashanyi Vakazvimiririra Vari Vega Vanoshanyira Vanhu Vakavharirwa (Independent Custody Visitors)

Kune dzimwe nhengo dzinogara munharaunda dzinobvumidzwa kusvika mukamba yemapurisa dzisina kuzivisa kuti dziri kuuya. Dzinozivikanwa seVashanyi vakazvimiririra vari vega vanoshanyira vanhu vakavharirwa (independent custody visitors) uye vanoshanda nekuzvidira vega kuti vaone kuti vanhu vanenge vakavharirwa vari kubatwa zvakanaka here uye kuti vari kugona kushandisa kodzero dzavo here.

Hauna kodzero yekuona munhu akazvimiririra ega anoshanyira vanhu vakavharirwa uye haugone kukumbira kuti munhu akazvimiririra ega anoshanyira vanhu vakavharirwa akushanyire asi iye anogona kukumbira kukuona. Kana munhu akazvimiririra ari ega anoshanyira vanhu vakavharirwa akakushanyira, anenge achishanda ari ega zvisineyi nemapurisa kuti aone kuti uri kuchengetwa zvakanaka here uye kuti kodzero dzako dzakachengetedzwa here. Zvisinei, hautarisirwe kuti utaure navo kana usingade kuita saizvozvo.

Nzira dzekuisa nadzo chichemo

Kana uchida kuisa chichemo pamusoro penzira yawaibatwa nayo, kumbira kutaura nemupurisa anoita basa rekuongorora zvinhu (Inspector) kana mukuru pana iyeye. Pashure pekunge wasunungurwa, unogonawozve kuisa chichemo kukamba yemapurisa chero ipi zvayo, kuKomishoni yeMapurisa inoona nezveZvichemo yaKazvimiririra iri yega (Independent Office for Police Conduct (IOPC)) kana nekune gweta kana mumiririri wako wehurumende kuti vakumiririre.